13. Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.”
14. Makandipindura muchiti, “Izvo zvamaronga kuti zviitwe zvakanaka.”
15. Ipapo ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi.