Dhanieri 12:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. “Kubva panguva ichadziviswa chibayiro chamazuva ose nokumiswa kwechinhu chinonyangadza chinouyisa kuparadzwa, pachava namazuva chiuru chine zana namakumi mapfumbamwe.

12. Akaropafadzwa uyo achamirira nokusvika kumagumo amazuva chiuru china mazana matatu namakumi matatu namashanu.

13. “Asi kana uriwe, enda hako kusvikira kumagumo. Uchazorora, uye ipapo pamagumo amazuva, iwe uchasimuka kuti ugamuchire mugove wenhaka yako.”

Dhanieri 12