Amosi 8:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva.

2. Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.

3. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”

4. Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa uye muchiparadza varombo venyika,

5. muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,

Amosi 8