Amosi 6:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mune nhamo imi makavarairwa muZioni, nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria, imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru, kunoenda vanhu veIsraeri!

2. Endai kuKarine mundoritarisa; muchibvapo moenda kuHamati guta guru, uye mozodzika kuGati muFiristia. Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here?

3. Munoti zuva rakaipa ngarirege kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira.

4. Munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizorora pazvigaro zvenyu. Munodya makwayana akaisvonaka nemhuru dzakakodzwa.

5. Munoridza zvenyu mbira dzenyu saDhavhidhi, uye munozvigadzirira zviridzwa.

Amosi 6