Amosi 5:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri, “Nditsvakei murarame;

5. musatsvaka Bheteri, musaenda kuGirigari, musaita rwendo rwokuenda kuBheerishebha. Nokuti zvirokwazvo Girigari ichaendeswa kuutapwa, uye Bheteri richava sapasina chinhu.

6. Tsvakai Jehovha mugorarama, mukasadaro achatsvaira imba yaJosefa sezvinoita moto; uchaparadza, uye Bheteri richashaya anoudzima.

7. Imi vanoshandura kururamisira muchikuita gavakava uye muchikandira kururama pasi

8. (Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni, anoshandura rima richiva mambakwedza, uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku, anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika, Jehovha ndiro zita rake,

Amosi 5