1. Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti:
2. “Ndimi moga vandakasarudza pamhuri dzose dzapanyika; naizvozvo ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu zvose.”
3. Ko, vaviri vangafamba pamwe chete vasina kunge vatenderana here?
4. Ko, shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here?