2 Vakorinde 1:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea.

17. Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.”

18. Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.”

2 Vakorinde 1