2 Timoti 3:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu.

16. Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurairidza mukururama,

17. kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo agadzirirwa mabasa ose akanaka.

2 Timoti 3