Saka Dhavhidhi akarayira majaya ake, ivo vakavauraya. Vakadimura maoko namakumbo avo ndokurembedza miviri yavo padziva reHebhuroni. Asi vakatora musoro wa Ishi-Bhosheti vakandouviga muguva raAbhineri paHebhuroni.