Ipapo Dhavhidhi akati kuna Joabhu navanhu vose vaiva naye, “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga mufambe muchiungudza pamberi paAbhineri.” Mambo Dhavhidhi pachake akafamba ari shure kwengoro yaiva nechitunha.