11. Zvino Dhavhidhi akati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kuna Gadhi muprofita, muoni waDhavhidhi richiti,
12. “Enda undoudza Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chazvo kuti ndichiite pamusoro pako.’ ”
13. Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwamakore matatu here? Kana kuti mwedzi mitatu yokutiza kubva kuvavengi vako ivo vachikudzinganisa? Kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako? Zvino funga pamusoro pazvo ugosarudza kuti ndingandopindura sei iye andituma.”
14. Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakutambudzika kukuru. Ngatiwirei hedu mumaoko aJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru; asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”