2 Samueri 22:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.

32. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

33. NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.

34. Anoita tsoka dzangu setsoka dzenondo;anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

2 Samueri 22