2 Samueri 22:30-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa nechikwata chavarwi;naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.

31. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.

32. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?

33. NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.

34. Anoita tsoka dzangu setsoka dzenondo;anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.

35. Anodzidzisa maoko angu kurwa;maoko angu anowembura uta hwendarira.

36. Munondipa nhoo yenyu yokukunda,munokotamira pasi kuti mundikurise.

37. Munotambanudza nzira pasi pangu,kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.

2 Samueri 22