26. “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu,kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
27. kune vakachena munozviratidza makachena,asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha.
28. Munoponesa vanozvininipisa,asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze.
29. Imi muri mwenje wangu, Jehovha;Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza.
30. Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa nechikwata chavarwi;naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
31. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
32. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
33. NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.
34. Anoita tsoka dzangu setsoka dzenondo;anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
35. Anodzidzisa maoko angu kurwa;maoko angu anowembura uta hwendarira.
36. Munondipa nhoo yenyu yokukunda,munokotamira pasi kuti mundikurise.
37. Munotambanudza nzira pasi pangu,kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka.
38. “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza;handina kudzoka kusvikira vaparadzwa.
39. Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka;vakawira pasi petsoka dzangu.
40. Makandishongedza nesimba rokurwa. makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu.
41. Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu.
42. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa,kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura.