20. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;akandinunura nokuti akanga achindifarira.
21. “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.
22. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.
23. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;handina kutsauka kubva pamitemo yake.
24. Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza.
25. Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu,maererano nokuchema kwangu pamberi pake.