2 Samueri 22:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Vakandivinga muzuva renjodzi yangu,asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

20. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;akandinunura nokuti akanga achindifarira.

21. “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.

22. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.

23. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;handina kutsauka kubva pamitemo yake.

2 Samueri 22