15. Akapfura miseve akaparadzira vavengi,mabhanan'ana emheni akavaparadza.
16. Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha,nokufema kwomweya nemhino dzake.
17. “Akatambanudza ruoko ari kudenga uye akandibata;akandibudisa kubva pamvura yakadzika.
18. Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi,vakanga vachindikurira pasimba.
19. Vakandivinga muzuva renjodzi yangu,asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
20. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;akandinunura nokuti akanga achindifarira.