2 Samueri 22:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Akaita kuti rima rimupoteredze setende,iwo makore matema emvura yokudenga.

13. Kubva pakupenya kwouripo hwake mabhanan'ana emheni akapenya.

14. Jehovha akatinhira ari kudenga;inzwi roWokumusoro-soro rakanzwikazve.

15. Akapfura miseve akaparadzira vavengi,mabhanan'ana emheni akavaparadza.

16. Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha,nokufema kwomweya nemhino dzake.

17. “Akatambanudza ruoko ari kudenga uye akandibata;akandibudisa kubva pamvura yakadzika.

18. Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi,vakanga vachindikurira pasimba.

19. Vakandivinga muzuva renjodzi yangu,asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.

20. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana;akandinunura nokuti akanga achindifarira.

21. “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu;maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro.

22. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha;handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu.

23. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu;handina kutsauka kubva pamitemo yake.

2 Samueri 22