1. Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.
2. Akati:“Jehovha ndiye dombo rangu,nhare yangu uye mununuri wangu;
3. Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu,norunyanga rworuponeso rwangu.Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu,munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.
4. Ndinodana kuna Jehovha,iye anofanira kurumbidzwa,uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
5. “Mafungu orufu akandikomba;mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.
6. Mabote eguva akandimonera;misungo yorufu yakandivinga.