2 Samueri 20:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Dhavhidhi akati adzokera kumuzinda wake muJerusarema, akatora varongo vake vaakanga asiya kuti vachengete muzinda akavaisa mumba vakachengetwa. Iye akavariritira asi haana kuvata navo. Vakanga vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vachirarama sechirikadzi.

2 Samueri 20

2 Samueri 20:1-4