2 Samueri 2:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Kurwa kwezuva iroro kwakatyisa kwazvo, uye Abhineri navarume veIsraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.

18. Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo vaiti: Joabhu, Abhishai naAsaheri. Zvino Asaheri aimhanya zvikuru kwazvo sechengu.

19. Akadzinganisa Abhineri, asingambotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe paaimudzingirira.

20. Abhineri akacheuka akabvunza akati, “Ndiwe here, Asaheri?” Iye akapindura akati, “Ndini.”

2 Samueri 2