2 Petro 1:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.”

18. Isu pachedu takanzwa inzwi iri rakabva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene.

19. Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu.

2 Petro 1