10. Pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendesa vanhu kudzimba dzavo, vachifara uye mwoyo yavo ichifara nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nokuvanhu vake Israeri.
11. Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake,
12. Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati, “Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro.
13. Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu,
14. kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.
15. Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino.
16. Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo.
17. “Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandichakurayira uye ukachengeta mitemo yangu nemirayiro yangu,
18. ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hauchazongokundikani kuva nomunhu achatonga Israeri.’
19. “Asi kana mukatsauka mukasiya mitemo nezvandakakurayira, mukaenda kundoshumira vamwe vaMwari mukavanamata,