2 Makoronike 29:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Akauyisa vaprista navaRevhi akavaunganidza muchivara chokudivi rokumabvazuva.

5. Uye akati, “Teererai kwandiri, vaRevhi! Zvinatsei zvino uye munatse temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Mubvise kusvibiswa kwose munzvimbo tsvene.

6. Madzibaba edu akanga asina kutendeka; vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari uye vakamusiya. Vakabvisa zviso zvavo panzvimbo inogara Jehovha, vakamufuratira.

7. Vakapfigawo mikova yebiravira uye vakadzima mwenje. Havana kupisira zvinonhuwira kana kupa zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri.

8. Naizvozvo, kutsamwa kwaJehovha kwakawira pamusoro peJudha neJerusarema, akavaita chinhu chinotyisa, chinovhundutsa nechinosekwa, sezvamunoona nameso enyu chaiwo.

9. “Ndokusaka madzibaba edu akaurayiwa nomunondo uye vanakomana navanasikana vedu navakadzi vedu vava muutapwa.

10. “Zvino ndinoda kuita mhiko naJehovha, Mwari waIsraeri; kuitira kuti kutsamwa kwake kunotyisa kubve kwatiri.

2 Makoronike 29