2 Makoronike 25:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Amazia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Mai vake vainzi Jehoadhini, uye vaibva kuJerusarema.

2. Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete nomwoyo wose.

3. Paakapedza kusimbisa umambo hwake akauraya machinda akanga auraya baba vake.

4. Kunyange zvakadaro haana kuuraya vanakomana vavo asi akaita sezvazvakanga zvakanyorwa muMurayiro, muBhuku raMozisi, umo Jehovha akarayira achiti, “Madzibaba havafaniri kuurayiwa nokuda kwavana vavo, uye kuti vana havafaniri kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo.”

2 Makoronike 25