2 Madzimambo 6:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo.

7. Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora.

8. Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.”

2 Madzimambo 6