2 Madzimambo 21:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Ipapo vanhu venyika vakauraya vose vakanga vamukira Mambo Amoni, vakagadza mwanakomana wake Josia kuti ave mambo panzvimbo yake.

25. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaAmoni, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

26. Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Josia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

2 Madzimambo 21