1 Vatesaronika 4:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu.

3. Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene:

4. kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa,

5. asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;

6. uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai.

1 Vatesaronika 4