1 Vakorinde 9:25-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Munhu wose anopinda mumitambo anozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi.

26. Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo.

27. Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.

1 Vakorinde 9