1 Vakorinde 9:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Handina kusununguka here? Handizi mupostori here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imi hamuzi chibereko chebasa rangu muna She here?

2. Kunyange zvangu ndisiri mupostori kuna vamwe, zvirokwazvo ndiri mupostori kwamuri! Nokuti imi ndimi chisimbiso choupostori hwangu muna She.

3. Uku ndiko kuzvidavirira kwangu kuna avo vanondigarira matare.

1 Vakorinde 9