1 Vakorinde 5:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye.

12. Nokuti ibasa rangu here kuti nditonge avo vari kunze kwekereke? Hamufaniri kutonga avo vari mukereke here?

13. Mwari ndiye achatonga avo vari kunze. “Dzingai munhu akaipa uyu abve pakati penyu.”

1 Vakorinde 5