8. Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake.
9. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
10. Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.
11. Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.