1 Vakorinde 3:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ini ndakasima, Aporo akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa.

7. Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu.

8. Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake.

9. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.

1 Vakorinde 3