1 Vakorinde 3:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamuzi venyika here? Ko, hamuzi kufamba savanhuwo zvavo here?

4. Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporo,” ko, hamuzi vanhuwo zvavo here?

5. Aporo chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe.

6. Ini ndakasima, Aporo akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa.

7. Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu.

8. Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake.

9. Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.

10. Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.

1 Vakorinde 3