1 Vakorinde 15:35-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko vakafa vanomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita seiko?”

36. Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa.

37. Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho.

38. Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo.

1 Vakorinde 15