1 Vakorinde 10:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura.

16. Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here?

17. Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.

18. Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?

1 Vakorinde 10