11. Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose.
12. Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara.
13. Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha.
14. Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa uye akava mutadzi.