1 Samueri 29:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. VaFiristia vakaunganidza varwi vavo paAfeki, uye vaIsraeri vakadzika musasa patsime raiva paJezireeri.

2. Vatongi vavaFiristia pavaifamba namapoka avo amazana mazana uye ezviuru zviuru, Dhavhidhi navanhu vake vaifamba vari mushure maAkishi.

3. Vakuru vehondo yavaFiristia vakabvunza vakati, “Ko, vaHebheru ava vanodei?” Akishi akapindura akati, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi, akanga ari muchinda waSauro mambo weIsraeri here? Anga agere neni kwenguva inopfuura gore, uye kubva pazuva raakabva kuna Sauro kusvikira zvino, handina kuwana chakaipa maari.”

1 Samueri 29