1 Samueri 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Hana akanyengetera achiti:“Mwoyo wangu unofara muna Jehovha; muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro. Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu, nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.

2. “Hakuna mutsvene akaita saJehovha; hakuna mumwe kunze kwenyu;hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.

3. “Usaramba uchitaura uchizvikudza uye manyawi ngaarege kubuda mumuromo mako,nokuti Jehovha ndiMwari anoziva, uye naye mabasa anoyerwa.

1 Samueri 2