4. Abhishua, Naamani Ahoa,
5. Gera, Shefufani naHurami.
6. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati:
7. Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi.
8. Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara.