31. Gedhori, Ahio, Zekeri,
32. uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema.
33. Neri aiva baba vaKishi, Kishi aiva baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abinadhabhi, naEshibhaari.
34. Mwanakomana waJonatani ainzi MeriBhaari uyo aiva baba vaMika.
35. Vanakomana vaMika vaiva: Pitoni, Mereki Tarea, naAhazi.
36. Ahazi aiva baba vaJehoadha, Jehoadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri uye Zimiri aiva baba vaMoza.