71. VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera: Kubva kuimba yorudzi rwehafu rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo:
72. kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati,
73. Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;
74. kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni,
75. Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;
76. uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKirataimi pamwe chete namafuro awo.
77. VaMerari (vaRevhi vose vakanga vasara) vakagamuchira zvinotevera: Kubva kurudzi rwaZebhuruni vakagamuchira Jokineami, Karita Rimono, neTabhori pamwe chete namafuro awo;
78. kubva kurudzi rwaRubheni mhiri kworwizi Jorodhani kumabvazuva kweJeriko vakagamuchirwawo Bhezeri murenje, Jaza,