1 Makoronike 6:49-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

49. Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nazvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.

50. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake

51. Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,

52. Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,

1 Makoronike 6