49. Asi Aroni nezvizvarwa zvake ndivo vaiisa zvipiriso paaritari yezvipiriso zvinopiswa uye nepaaritari yezvinonhuwira maererano nezvose zvaiitwa paNzvimbo Tsvene-tsvene, vachiyananisira Israeri maererano nazvose zvakanga zvarayirwa Mozisi muranda waMwari.
50. Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni: Ereazari mwanakomana wake, Finehasi mwanakomana wake, Abhishua mwanakomana wake
51. Bhuki mwanakomana wake, Uzi mwanakomana wake naZerahia mwanakomana wake,
52. Merayoti mwanakomana wake, Amaria mwanakomana wake, Ahitubhi mwanakomana wake,