16. Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.
17. Aya ndiwo mazita avanakomana vaGerishoni: Ribhini naShimei.
18. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri.
19. Vanakomana vaMerari vaiva: Mairi naMushi. Idzi ndidzo dzimba dzavaRevhi dzakanyorwa maererano namazita amadzibaba avo:
20. VaGerishoni: Ribhini mwanakomana wake, Jehati mwanakomana wake naZima mwanakomana wake,
21. Joa mwanakomana wake Idho mwanakomana wake, Zera mwanakomana wake naJaterai mwanakomana wake.
22. Zvizvarwa zvaKohati zvaiva: Aminadhabhi mwanakomana wake, Kora mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,
23. Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,