33. nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. Uye vaichengeta zvinyorwa zvenhoroondo yavo.
34. Meshobhabhi, Jamireki, Josha mwanakomana waAmazia,
35. Joere, Jehu mwanakomana waAsieri,
36. uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,
37. naZiza mwanakomana waSifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.
38. Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo. Mhuri dzavo dzakakura kwazvo
39. uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro.