1 Makoronike 4:28-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari,

29. Bhiriha, Ezemi, Toradhi,

30. Bhehieri, Horima, Zikiragi,

31. Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri naShaaraimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi.

32. Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimini, Tokeni neAshani, maguta mashanu

33. nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara. Uye vaichengeta zvinyorwa zvenhoroondo yavo.

34. Meshobhabhi, Jamireki, Josha mwanakomana waAmazia,

35. Joere, Jehu mwanakomana waAsieri,

36. uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya, Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,

37. naZiza mwanakomana waSifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.

1 Makoronike 4