1 Makoronike 4:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.

13. Vanakomana vaKenazi vaiva: Otinieri naSeraya. Vanakomana vaOtinieri vaiva: Hatati naMeonotai.

14. Meonotai aiva baba vaOfira. Seraya aiva baba vaJoabhu, baba vaGeharashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.

15. Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva: Iru, Era naNaami. Mwanakomana waEra ainzi Kenazi.

1 Makoronike 4