1 Makoronike 25:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.

9. Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa, vanakomana vake nehama dzake, gumi navaviri; wechipiri kuna Gedharia, iye nehama dzake navanakomana vake– gumi navaviri;

10. wechitatu kuna Zakari, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

11. wechina kuna Iziri, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

12. wechishanu kuna Netania, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

13. wechitanhatu kuna Bhukia, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

14. wechinomwe kuna Jesarera, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

15. worusere kuna Jeshaya, vanakomana vake nehama dzake– navaviri;

16. wepfumbamwe kuna Matania, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

17. wegumi kuna Shimei, vanakomana vake nehama dzake– gumi navaviri;

1 Makoronike 25