1 Makoronike 21:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura paburiro raArauna muJebhusi, akapa zvipiriso ipapo.

29. Tabhenakeri yaJehovha yakanga yagadzirwa naMozisi murenje. Nearitari yezvipiriso zvinopiswa zvakanga zviri panzvimbo yakakwirira paGibheoni panguva iyoyo.

30. Asi Dhavhidhi haaikwanisa kuenda pamberi payo kundobvunza nezvaMwari nokuti aitya munondo womutumwa waJehovha.

1 Makoronike 21