27. Vanakomana vaRami dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri.
28. Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri.
29. Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.
30. Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.
31. Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.
32. Vanakomana vaJadha, munun'una waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.
33. Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvorudzi zvaJerameeri.